Isaiah 12

Nziyo dzoKurumbidza

1Pazuva iro muchati,

“Ndichakurumbidzai, imi Jehovha,
kunyange makanga makanditsamwira,
kutsamwa kwenyu kwakadzorwa
uye makandinyaradza.
2Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;
ndichavimba naye uye handingatyi.
Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;
ava ruponeso rwangu.”
3Nomufaro muchachera mvura
kubva mumatsime oruponeso.
4Pazuva iro muchati,

“Vongai Jehovha, danai kuzita rake;
zivisai zvaakaita pakati pendudzi,
uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
5Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa;
izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
6Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni,
nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”
Copyright information for SnaBDSC